Home#ElectionsZWKunyoresa kuvhota kuri kuenderera mberi, endai nhasi chaiye

Kunyoresa kuvhota kuri kuenderera mberi, endai nhasi chaiye

Bazi rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rinoti chirongwa chekunyoresa kuvhota chiri kuenderera mberi kumahofisi aro ari kumative mana enyika.

ZEC yaive yakavhura chirongwa chechimbi chimbi chekunyoresa kuvhota  icho chaidanwa nezita rekuti Mobile Biometric Voter Registration Blitz, apo yaifamba munzvimbo dzakasiyana siyana.

Chirongwa ichi chaifanira kupera musi wa21 Kurume, chikazowedzerwa mazuva kusvika musi wa26 nekuda kwzvimhingamupini zvaisangana neZEC pakunyoresa vanhu.

Asi kupera kwechirongwa ichi cheBlitz, hakureve kuti kunyoresa kuvhota kwavharwa munyika, sezvo vanhu vanogona kuenda kunonyoresa kumahofisi eZEC ari pedo navo.

Vachinyora pandemutande ravo reTwitter, veZEC vakati chirongwa chekunyoresa kuvhota zvakanangana nesarudzo dza2023, kuchiri kwakavhurwa, kusvika patarwa zuva resarudzo.

ZEC

‘’Bhuku rekunyoresa kuvhota rinovhara, mazuva maviri mushure mekunge mutungamiri wenyika adoma zuva resarudzo (Section 26A yeElectoral Act). Saka musaverengere, endai kumahofisi eZEC nhasi chaiye mononyoresa kuvhota,

‘’Tinokuzivisai kuti mahofisi ese eZEC kumaprovince. Nekumatunhu anoramba akavhurwa kuti munyorese kuvhota mazuve ese epakati pesvondo (Monday to Friday) kubva nguva dza 08:00 kusvika 17:00krs,’’ yakadaro ZEC.

Gurukuota rinoona nezvemitemo, nezvekufambiswa kwebasa reparemende vaZiyambi Ziyambi vakatura ivo pamazuva apera kuti sarudzo dzichaitwa pazuva riripakati pa26 Chikunguru na 26 Nyamavhuvhu 2023, sezvinorehwa bumbiro remutemo renyika.

Asi nyanzvi dzinoona nezvekuitwa kwesarudzo dzinoti kunyangwe hazvo mahofisi aya ariko uye achiita basa, mahofisi acho ari kure nekunogara veruzhinji, uye kuti vamwe vanotofanirwa kukwira mabhazi kuti vaendeko.

Vamwewo vechidiki vanonzi vari kutadza kunyoresa kuvhota nekuda kwenyaya yezvitupa izvo zvinonzi zviri kunetsa kuwana munyika.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzakambosimudzawo nyaya iyi dzichiti veZEC vanofanira kutaurirana nevekuzvitupa kana vave kuda kuita zvirongwa zvekunyoresa vanhu kuvhota.

Vekuzvi vanoti ivo varikunetseka nezvekushandisa pakugadzira zvitupa, nekuti havana mari yekuAmerica inodiwa, kwavanotenga zvinhu zvacho.

Sarudzo dza2023 ndedzechiviri, kubva vaimbova mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe vabviswa pachigaro, navaEmmerson Mnangagwa vachibatsirana nemauto.

Sarudzo idzi ndedzechiripizve vaimbovamutungamiri webato rinopikisa reMDC vaMorgan Tsvangirai vashaya.

Zvakare dzinouya paine kakutatsuriran kuti bato rinopikisa hombe munyika nderipi, pakati peMDC-T inotungamirirwa navaDouglas Mwonzora neCitizens Coalition for Change inotungamirirwa navaNelson Chamisa

Related Articles

Video: Nelson Chamisa needs US$244K to field candidates in all seats

Video: Nelson Chamisa needs US$244K to field candidates in all seats #ElectionsZW https://youtu.be/sVa2Y065b6w

The constitution turns 10 years, but Zimbabweans still looking for constitutionalism

It is hardly surprising that the 10th anniversary of the 2013 Constitution is being celebrated when the country is witnessing the erosion of constitutionalism and the acceleration of authoritarian consolidation in Zimbabwe.

Download: Voter Inspection Centres List

Those who registered, on or before 28 April 2023, are encouraged to inspect the voters` roll at their ordinary polling stations which have been designated as inspection centres for purposes of this voters roll inspection exercise. Note, your name will appear only at that inspection centre if that centre is your designated polling station. Registrants who registered up to the 28th of April 2023 can also use the USSD code *265# for Netone and Econet subscribers to inspect their details using their mobile phones. #ElectionsZW

Here is why it is impossible for Mnangagwa to proclaim elections in May

Section (157.5) says “After an election has been called, no change to the Electoral Law or to any other law relating to elections has effect for the purpose of that election.”