By Daniel Chigundu
ZEC yoramba kubvisa vaMwonzora musarudzo, hanzi makanonoka kuzvifunga
Bazi rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission (ZEC) ropokana nekuda kubuda musarudzo kwava Douglas Mwonzora vanotungamira MDC-T.
VaMwonzora vakazivisa ivo kuti vave kubuda musarudzo dzemutungamiri wenyika vachinyunyuta nemabatirwo ari kuitwa zvinhu neZEC apo kwangosara masvondo maviri chete, kuti sarudzo dziitwe musi wa23 August.
Vakati ivo sarudzo dza2023 hadzina kuchena uye dzashaya chiremerera sezvinotarisirwa nebumbiro remutemo.Asi richinyora padandemutande raro reTwitter, bazi reZEC rati avo vanoda kubuda musarudzo dzemutungamiri wenyika vanotenderwa kuzviita pachine masvondo matatu kuti sarudzo dziitwe.
“Munhu anenge abudirira kudomwa kuti akwikwidze kuve President, anogona kubuda musarudzo dzacho kana achinge anyorera Chief Elections Officer weZEC achimuzivisa pachine masvondo matatu sarudzo dzisati dzaitwa,” yadaro ZEC isina hayo kutaura zita remunhu.
Pfungwa dzekubuda musarudzo dzisati dzauya, VaMwonzora vanga vavimbisa kuti vachakunda sarudzo idzi nezvikamu makumi matanhatu (60%).
Uye vakanga vaburitsawo gwaro ravo rezvivimbiswa kuvanhu (manifesto) mazuva aperaVaMwonzora avo vanova mukuru wemapato anopikisa muParemende, vanonziwo havana kumirwa nezvinhu zvakanaka mubato ravo reMDC-T iro rarasikirwa nenhungamiri dzakawanda dzichienda kuZanu PF.
Dzimwe nhungamiri dzakaita sava Morgan Komichi nava Elias Mudzuri dzava nemapato adzo.Kubuda kwavaMwonzora musarudzo kwatsigirwa nemutungamiri werimwe bato rinopikisa relabour Economists and Afrikan Democrats muzvare Linda Masarira.
Masarira uyu akakundikana kudomwa kuti akwikwidze musarudzo dzemutungamiri wenyika nekuda kwenyaya yemari akati VaMwonzora vagona uye mamwe mapato achazoyeuka bato anaiwa nemvura.
Vamwewo vanoongorora sarudzo vanoti vaMwonzora vatya kukundwa zvinonyadzisa zvekamboitwa bato ravo musarudzo dzeBy-elections gore rapera