Home#ElectionsZWKana muchiti munoda vakarwira nyika, vapei zvigaro muparamende

Kana muchiti munoda vakarwira nyika, vapei zvigaro muparamende

Kana muchiti munoda vakarwira nyika, vapei zvigaro muparamende

By Daniel Chigundu

Mumiriri weHarare East mudare remakurukota reNational Assembly, vaTendai Biti, vati ivo kana hurumende yavaEmmerson Mnangagwa iri pachokwadi kuti inoda vakarwira rusunguko rwenyika, inofanira kuvapa chikamu chezvigaro muparamende.

Parizvino, nyika yeZimbabwe yakapa madzimai zvigaro makumi matanhatu mudare reNational Assembly (women’s quota), ikabvumazve kupa vechidiki zvigaro gumi mudare rimwe iroro (youth quota).

Zvigaro izvi zvinopihwa pachena maringe nekuti mapato ezvematongerwo enyika vanenge vawana zvakadii musarudzo.

Vachipa pfungwa dzavo kugwaro rakaburitswa nechikamu chinotarisa nyaya dzekudzivirirwa kwenyika muparamende, vaBiti vakati vakarwira nyika varikubatwa nekuseri kweruoko, uye vari kunhonga svosve nemuromo.

‘’Sei tisina zvigaro zvakagadzirirwa varwi vehondo yerusunguko muparamende? Eheka hanti ndivo vakarwa hondo here? Handisi kunyepa ndiri kutaura chokwadi. Ndiri mwana wevhu comrade.

‘’Uyu Chinotimba (Joseph) anoiswa kuti aende kuprimary namafikizolo asingazive kuti pfuti inofamba sei uyu. Mangwana tomuka tichiti Chinotimba wadyiwa, wadyiwa nani? Asi patakaenda kuhondo takamboita maprimary ekuenda kuhondo here?

Vakaenderera mberi vaBiti vachiti, ‘’pane patakamboita sarudzo dzekutsvaga vanoenda kuhondo yekusungura nyika here? Kuda pamwe yakaitwa kuBuhera, asi kwaMurehwa neku Dotito haina kuitwa.

‘’Tinofanira kuremekedza vakarwira nyika ino, ngativape minda uye kuvapa zvigaro zvisingakwikwidzwe uye zvisingabviswe muparamende. Vangosara vashoma havasisina kuwanda, uye vazvinji dzavaharahwa,’’ vakadaro vaBiti.

Mashoko avaBiti anouya panguva iyo nyika iri mubishi kugadzirira sarudzo dzichaitwa pakati pemwedzi waJuly na August.

Sarudzo dzavapedyo nekuitwa

Sarudzo idzi dzakakosha sezvo dziri idzo dzekupedzisira dzavaEmmerson Mnangagwa dzekutonga nyika maringe nebumbiro remutemo rakanyorwa muna 2013.

Zanu PF, yakatoita sarudzo dzekutsvaga vachadzimirira musarudzo idzo, ukuwo Citizens Coalition for Change iyo inotungamirirwa navaNelson Chamisa iri kutsvagawo vamiririri vayo musi weChitatu.

MDC-T inotungamirwa navaDouglas Mwonzora haisati yazivisa zviri pachena hurongwa hwayo.

Labour Economists and African Democrats (LEAD) intoungamirwa namuzvare Linda Masarira yakaiya haiite sarudzo dzekutsvaga vachaimirira, asi vanhu vachangotaurirana kuti anomira ndiyani zvisina kupokana.

Kana muchiti munoda vakarwira nyika, vapei zvigaro muparamende #ElectionsZW

Kana muchiti munoda vakarwira nyika, vapei zvigaro muparamende

Related Articles

Video: Nelson Chamisa needs US$244K to field candidates in all seats

Video: Nelson Chamisa needs US$244K to field candidates in all seats #ElectionsZW https://youtu.be/sVa2Y065b6w

The constitution turns 10 years, but Zimbabweans still looking for constitutionalism

It is hardly surprising that the 10th anniversary of the 2013 Constitution is being celebrated when the country is witnessing the erosion of constitutionalism and the acceleration of authoritarian consolidation in Zimbabwe.

Download: Voter Inspection Centres List

Those who registered, on or before 28 April 2023, are encouraged to inspect the voters` roll at their ordinary polling stations which have been designated as inspection centres for purposes of this voters roll inspection exercise. Note, your name will appear only at that inspection centre if that centre is your designated polling station. Registrants who registered up to the 28th of April 2023 can also use the USSD code *265# for Netone and Econet subscribers to inspect their details using their mobile phones. #ElectionsZW

Here is why it is impossible for Mnangagwa to proclaim elections in May

Section (157.5) says “After an election has been called, no change to the Electoral Law or to any other law relating to elections has effect for the purpose of that election.”