Gold Mafia: Tiri kudzifambira nyaya dzacho, tichakuudza

0
101
Gold Mafia: Tiri kudzifambira nyaya dzacho, tichakuudza
Gold Mafia: Tiri kudzifambira nyaya dzacho, tichakuudza

Gold Mafia: Tiri kudzifambira nyaya dzacho, tichakuudza

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, nekutapwa kwenhau mai Monica Mutsvangwa vati hurumende iri kukoshesa nyaya yehuori iri kuburitswa nekambani yekutapwa kwenhau ye Al Jazeera inonzi Gold Mafia.

Gold Mafia, ibhaisikopo rine zvikamu zvina, zvinoburitsa kubiwa pamwe nekuburitswa kwegoridhe munyika zviri kunze kwemutemo, pachishandiswa vanhu vane zvinzvimbo muhurumende, uye vamwe vanoti varipedyo nemutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa.

Bhaisikopo iri riri kuburitsazve kucheneswa kwemari yehuori kuchishandiswa makambani akazvimirira ega uye ehurumende akafanana neFidelity Printers and Refiners.

Kutaura kuno, bhasikopo reGold Mafia iro rane zvikamu zviviri zvati zvabuda, rakasiya vaUebert Angel, namai Henrietta Rushwaya pachena munyaya yekuburitswa kwegoridhe munyika zviri kunze kwemutemo.

Vachitaura nevatori venhau, gurukota Mutsvangwa vati hurumende haisi kutora nyaya iyi semahumbwe, asi kuti iri kuferefetwa zvizere kuti vaone kana paine chokwadi.

‘’Hurumende iri kuziva kuti kune bhaisikopo rinonzi Gold Mafia ririkuburitswa muzvikamu zvikamu nekambani inoita zvekutora nhau pasi rese, iyo inozviti inofukunura kucheneswa kwemari yehuori, uye kuburitswa kwegoridhe zvikunze kwemutemo muZimbabwe.

‘’Hurumende iri kukoshesa zvipomerwa zvese zviri kuburitswa nebhaisikopo iri, uye yatoudza mabazi ayo anoferefeta kuti vaferefete nyaya dziri kuburitswa idzi. Ani nani achabatwa nemhoswa yekuita zviri kutaurwa izvi acharangwa nemutemo zvakaomarara.

‘’Hurumende inotora mukana uno kusimbisa kupikira kwayaita kuchengedza mitemo yemunyika, uye yepasi rose, kusanganisira mitemo inechekuita nekkufambiswa kwemari mukuita bhizimusi, kutengeswa kwegoridhe, nezvimwe chicherwa zvinehuremu.

‘’Kuzvirova dundundu, uye kudoma mazita sezvaiitwa nevamwe vakaburitswa pachena mubhaisikopo iri, vachitsvaga kuzvipfumisa, uye kuti vanzi vanhu vepamusoro muhurumende, hazvifanire kutorwa sekunge hurongwa hwehurumende.

‘’Kutaura kuno hurumende iri mubishi nenyaya iyi, uye nyika ichazoziviswa kana paita zvinenge zvabuda munyaya iyi,’’ Mutsvangwa.

Zimbabwe iri kubirwa mabhiriyoni maviri pagore

Zimbabwe inonzi inorasikwa nemari inosvika mabhiriyoni maviri pagore kuburikidza nekuburitswa kwezvicherwa zvakafanana negorighe zviri kunze kwemutemo.

Fodya ndiyo imwe inonzi iri kuburitswa munyika nehukopokopo, zvinova zviri kudzorera nyika kumashure.

Vanomirira Harare East mudare remakurukota eNataional Assembly, vaTendai Biti, masvondo apfura vakaratidza kusafara nekuti Zimbabwe iyo inehupfumi hwakawanda muvhu, haina chinoradzika kana chinobatika, asi inotopona nekupemha.

Vaimbove mutungamiri venyika, mushakabvu Robert Mugabe, Asiya ataurawo kuti Zimbabwe yakange yarasikirwa nengoda inehuremu hunosvika mabhiriyoni gumi nemashanu pachishandiswa mari yekuAmerica (US$15 billion).

Gold Mafia: Tiri kudzifambira nyaya dzacho, tichakuudza