Dare reParamende ririkuti Bill iri riri kuteedzera kurudziro yakaitwa neFinancial Action Task Force (FATIF) rekuderedza kushandiswa kwaiitwa masangano akazvimiririra oga mumabasa ehugandanga nekusashandiswa zvakajeka kwemari. Zvisinei, umbowo hwakawanikwa kubva pa National Risks Assessments (NRA) hunoratidza kuti maNGO emuZimbabwe haasi panjodzi yekushandiswa kwemari mumabasa ehugandanga. Chechipiri, kubva muna March 2022, Zimbabwe yakabviswa kubva pa grey list yeFATIF (iyo inoratidza nyika dziri panjodzi). Izvi zvinoreva kuti recommendation 8 yeFATIF haichashandi muZimbabwe.
You Might Also Like
Follow US
Find US on Social Medias