Vana sachigaro vemapazi eparamende yeZimbabwe (Portfolio Committee Chairpersons) vokumbira hurumende kuti ivatengere dzimwe motokari vachiti dzavakapihwa mwedzi mishoma yadarika dzanzwa nekufamba.
Chikumbiro ichi chakasvitswa nava Caston Matewu avo vanomirira Marondera Central mudare reNational Assembly.
Vamatewu vachitaura apo paidzeyewa hurongwa hwemashandisirwo achaitwa emari yenyika muna 2025 (national budget), vakati mota dzavakapihwa dzanzwa.
‘’Vana sachigaro vemapazi ese eparamende anobvumirana neni kuti svondo rega rega, tinenge tiri munzira, tinongogara tiri parwendo.
‘’Iyezvino mukatarisa nzira dzafambwa nemotokari dzedu dzatakapihwa, yangu yatosvika makiromita anonkwana zviuru makumi mana nekuti tinogara tichifamba savana sachigaro.
‘’Saka tanga tichikumbirawo kuti muhurongwa hwemari hwa 2025 dai matipawo mari yekuti titenge motokari dzechipiri asi dzisingadhure kuti tikwanise kuita basa ratakapihwa mumutemo yedu yeparamende (Standing Orders)
Nhengo dzeparamende dziripo parizvino dzakasarudzwa muna Nyamavhuvhu gore rakapera (2023) dzikazopihwa motokari kutanga kwegore rino.
Motokari idzi ndidzo dziri kunzi dzavakuda dzimwe nekuti dzanzwa kufamba.
Chikumbiro chekupihwa motokari ichi chinouya apo hurumende iri kutambura kutsvaga mari yekufambisa mabasa ayo, uye kuti itengere vanhu chikafu kuti vasaziya nenzara.
Nguva dzega dzega dzinenge dzichizeyewa mashandisirwo emari yenyika, nhengo dzeparamende dzinowanzo kuunza zvikumbiro zvakasiyana siyana.
Gore rapera vakakumbira kuti hurumende ipote ichivapa mari yekuti vagopota vachishanyira nzvimbo dzavanimirira muparamende.