Mumiriri weChikanga Constituency mudare reNational Assembly amai Lynette Kore varamba nyaya yavarikupomerwa yekuti vari kushanda pamwe chete nava Sengezo Tshabangu kuparamende.
Sengezo Tshabangu uyo anozviti ndiye akafanokubata basa ramabharani mukuru (interim secretary-general) kuCitizens Coalition for Change (CCC) akadoma vanhu vachange vachitungamirira kubatwa kwemabasa muparamende.
Pavanhu vakadomwa ava, zita raamai Kore riripo, uye vanonzi ndivo vanenge vachitungamirira bato muNational Assembly (leader of the opposition in the National Assembly).
Kudomwa kwezvigaro izvi, kwapa kusagadzikana pakati pevamiriri vebato reCCC muparemende uye kuvatsigiri varo, avo vari kufungidzira kuti paita mweya wehutengesi.
Asi vachitaura nevatori venhau, kurufu rwavaMurisi Zwizwai, mai Kore, vakaramba izvi, vachiti ivo havasi munhu waTshabangu, uye vakatoshamisika nekudomwa kwavo pachigaro.
‘’Kungoti panoitika chinhu umwe neumwe anotaura pfungwa dzake, asi chinonzi kutengesa chinoda kubvunzwa kuti chii? Chii chinonzi kuetengesa?
‘’Vanhu vese vanondiziva samai Kore kuti ndiri munhu akaita sei. Ndiri munhu ashandira musangano kubva kupi. Saka handina pandati ndatengesa musangano weCitizens Coalition for Change. Ndiyo yandinongova semember and ndiyo yandakaenda nayozve kuParliamwent tikaenda tikanosarudzwa. Saka dambudziko rangu riri pakuti zvaita sei kuti tizorovana, tizonongedzana nekuti tingori vana vemhunhu mumwe chete.
‘’Kune vakanga varimo muParliament ndofunga veMedia vanga varimo vakatarisa vakaona kuti tese, munhu wese akakatyamadzwa neizvozvo zvakaitika nekuti munhu wese aiti maappointments edu achabva kuparty. Saka patangoona mazita akushevedzerwa Honourable Hwende ndivo vakatotanga, vakati there was not even a meeting ndobva vaitwa ruled out of order, ini ndikazosumuka ndikati Speaker I think mukuverenga zvinhu pane mistake, Mr Speaker tipei nguva titaure, he did not even given us time to speak. So kana pane anoda kutaura mashoko zviri zvekutengesa ndakabvira kare vanhu vachidaro, kuti Kore mutengesi,’’ vakadaro.
Zvakabvira kare zvekunzi mutengesi izvi
Mai kore vakaenderera mberi vachiti, zvekunzi mutengesi hazvina kutanga nhasi pasiya vaNelson Chamisa basa.
Vanoiti ivo zvakamboitika nguva yakatora vaDouglas Mwonzora bato reMDC Alliance kubva kuna vaChamisa.
‘’Even pandakadzingwa pafirst recall, vanhu vaiti Kore mutengesi, kore munhu waDouglas Mwonzora, ndikazopedzisira ndadzingwazve muParliament naDouglas Mwonzora wandainzi ndiye wandiri kutengesera kwaari.
‘’Asi ndapedza kudzingwa hapana kana akazodzoka kuvanhu achiti Kore anga asiri mutengesi ndiri munhu akangoitwawo also victimised panyaya iyoyo, nanhasi tingori pano,’’ vakadaro mai Kore.
Vakawedzera vakati zviri kuitika izvi zvakonzereswa nekusiya basa kwava Chamisa izvo zvaita kuti vanhu vatange kusvibisana nekuda kwezvigaro mubato.
Vakati ivo havakwanise kuita munhu wemunhu, asi vanokwanisa kuita munhu webato.
‘’Kungoti musango kazhinji kana waita dambudziko, pakangoita president kuti aiwa ndaResigner, ndombomira zvamapato, ndichimboita national politics, umwe neumwe anoita ride to that nekuti munhu mumwe neumwe anenge akutsvaga chigaro.
‘’Saka kwaari anotsvaga kuti munhu angandirwisa ndiyani, munhu ane opportunity kana munhu angadiwa zvakati ndiyani then voto focuser kune munhu iyeye, ototanga kusvibisana uyu ndewa Tshabangu, uyu ndewaTshabangu.
‘’Kutaura chokwadi, a person ane dzakamukwanira chaiye chaiye unga kwanise kuti uri munhu wemunhu, zvandakaita ndingaita munhu waTshabangu, munhu wemunhu? Waita munhu wemunhu wozodii? Munhu anoita munhu weparty semaziviro andoita kuti you belong to a party, because the moment yaunoita belong to an individual, individual iyeye akadonha iwewe unenge wadonha.
‘’Saka pfungwa yangu ndeyekuti zvitorimo muBhaibheri I think kuna Kings, inotaura kuti nemazuva iwayo kwaIsrael kwakanga kusina mambo, saka munhu mumwe neumwe aingoita zvaafunga kuti ndizvo zvinoita. So ndiyo phase yatiri as a party kuti munhu zvaangofunga kuti ndoita ichi, asi zvandinoziva ndezvekuti at the end vanhu vachapedzirisa vaita come together.
‘’…Nyaya irikungoitika ndeye kuti vanhu vari kungosvibisana. Kusvibisana kwagara kuripo, but for those vanoziva, vanoziva kuti tiri kutaura zvekungosvibisana,’’ vakadaro.