CDF ngaiwedzerwe veduwe kusvika paUS$100K
By Daniel Chigundu
Mumiriri we Marondera Central mudare reNational Assembly vaCaston Matewu vanoti ivo mari yekuvandudza budiriro inopohwa nhengo dzeparamende (MPs) ye Constituency Development Fund (CDF) inofanira kupamhidzirwa kuti zviendeke.
Mari yeCDF yakatanga muna 2010 paHurumende yemubatanidzwa uye inopihwa kunhengo dzeparamende 210 chete avo vane nzvimbo dzavanomirira dzakatarwa (constituencies).
Kubva muna 2010 mari yeCDF inongouya ine huremu hunoenderana nezviuru makumi mashanu zvemari yekuAmerica (US$50 000 equivalent).
Asi nhengo dzeparamende dzirikuti mari iyi yavashoma kuti iburitse budiriro ine kumeso munharaunda, nekudaro vanoda kuti iwedzerwe, uye kuti iuye nenguva.
Vachiisa pfungwa dzavo pauhorongwa hwemari hwa2025 (National Budget) muNational Assembly, vaMatewu vanoti mari iyi ngaiwedzerwe kusvika pahuremu hwezviuru zana zvemari yekuAmerica (US$100 000 equivalent).
WATCH VIDEO HERE
‘’Ndinotenda mubati wechigaro, regai nditange neCDF iyo ichatapudzirwa ZiG270 million kubva muhurongwa hwemari hwa2025. Mukaipatsanura muzvikamu mazana maviri negumi panobuda ipo ZiG1.28 million, iyo inove US$50 000 tichishandisa huremu hwemari uripo parizvo (current exchange rate).
Muimba ino inoremekedzwa pahurongwa hwemari hwe makore matatu apfura hwatakaita, taka patsanurirwa mari inehuremu wakangofanana (US$50 000 equivalent) ichinzi ndeye CDF asi pakutokwana makore matatu tapedzisira kupihwa mari iyoyo. Takapedzisira muna 2022.
Muna 2022 ndipo pakagumisa maMPs kupihwa CDF. Mubati wechigaro, ndinokumbira kuti mari yeCDF ya2025 ipetwe kaviri kusvika pazviuru zana zvemari yekuAmerica (US$100 000 equivalent) kutsiva ya2023 yatisina kuzopihwa, uye ndinoda kuvimba kuti gurukota rezvemari (Mthuli Ncube) richatipa gore risati rapera kusevimbisa kwarakaita kuti gore haripere. Asi sekureva kwandaita ngaipetwe kusvika pazviuru zana (US$100 000) senzira yekutsiva.
Ndakaita mhanza kutenderera nenyika tichitsvaka pfungwa dzevanhu maererano nehurongwa hwemari hwa2025. Vanhu vazhinji vaiti CDF chinhu chatinoona nekuti budiriro inenge ichiitika mumatunhu edu, uye mumatunhu ese. Zvinenge zviri nyore kuzotaura kuti hapana nzvimbo inofanira kusarira (Leaving no place behind), CDF ndiyo mari inosvika mativi mana enyika nekudaro inofanira kuwedzerwa kunyangwe tisina kupihwa ya2023.
Zviuru zvishanu (US$50 000) yavashoma haichakwana. Takawana chidzidzo kubva mumakore apfura aya pataiti pese pataiwana CDF yainge iri pasi pezviuru zviviri (US$20 000). Saka ndinoti CDF ngaipetwe kuenda pakakodzera pazviuru zana zvemari yekuAmerica (US$100 000). Ndikaverenga nemusoro ZiG540 million inofanirwa kukwana ndicho chekutanga.
Zvinonyadzisa kuti nhengo dzeparamende dzinodzingwa padzimba dzekurara nekudyira (hotels) uyezve kuti dzimwe nguva tinenge tisina mafuta ekufambisa kuenda kunzvimbo dzatinomirira dzakasiyana siyana. Mubati wechigaro tinoda kuti izvi zvishanduke.
Regai ndirangaridze gurukuota rezvemari kuti paramende ndeimwe emapazi matatu enyika (three Arms of State). Mukatarisa mabandiko ese enyika anomirira hurumende asi paramende inomirira mutemo nemadzitare zvichingodaro. Tiri pedu tega uye basa redu nderekuongorora hurumende uye kuti bumbiro renyika ratevedzwa. Nekuda kwaizvozvo paramende inofanirwa kupihwa mari yakawanda kudari ZiG1.7 million yairikuda kupihwa. Paramende inoda mari yakawanda kuti ikwanise kuita mabasa aya ekuongorora.
Chimwe chinhu chandisiri kuona asi chiri chinhu chatoisira mari parutive nyaya yepekushandira pedu mahofisi. Mahofisi emaMPs anosanganisira munhu anoshanda muhofisi yacho. Handisi kuzviona muhurongwa hwemari uhu izvi zvinhu zvakufanira kuti zviitwe. Ndakapinda muparamende mugore ra2018, asi kubva 2018 iyeye tinongoisa mari parutivi asi hapana chinozoitika. Hapana chatinozowana, hapana anozowana hofisi inobhadharwa neparamende. I zvi zvinofanira kushanduka
Ini ndinobhadhara US$700 pamwedzi kuhofisi yangu yekunzvimbo yandomirira pasina kana chimwe chandopihwa kana kubatsirwa neparamende, asi tinenge tichiita basa reparamende. Mubati wechigaro tinoda kuti mari iyoyo iiswe kuti tive nemahofisi.
CDF ngaiwedzerwe veduwe kusvika paUS$100K